Psalms 72

Pisarema raSoromoni.

1Shongedzai Mambo nokururamisira kwenyu, imi Mwari,
mwanakomana wamambo nokururama kwenyu.
2Achatonga vanhu venyu nokururama,
navanonetswa venyu nokururamisira.
3Makomo achavigira vanhu kubudirira,
nezvikomo, chibereko chokururama.
4Achadzivirira vanonetswa pakati pavanhu,
uye achaponesa vana vavanoshayiwa;
achapwanya mudzvinyiriri.

5Achashinga sokuvapo kwezuva, sokuvapo kwomwedzi,
kusvikira kumarudzi ose anotevera,
6achafanana nemvura inonaya pamunda une uswa hwakachekererwa,
seguti rinonyorovesa nyika.
7Pamazuva ake vakarurama vachakura zvakanaka;
kubudirira kuchawanda kusvikira mwedzi waguma.

8Achatonga kubva kugungwa kusvikira kugungwa,
uye kubva paRwizi kusvikira kumagumo enyika.
9Marudzi omugwenga achapfugama pamberi pake,
uye vavengi vake vachananzva guruva.
10Madzimambo eTashishi navari kumahombekombe ari kure
vachamuvigira mutero;
madzimambo eShebha neSebha
vachamupa zvipo.
11Madzimambo ose achamupfugamira
uye ndudzi dzose dzichamushandira.

12Nokuti acharwira vanoshayiwa vanodanidzira;
vanonetswa vasina anovabatsira.
13Achanzwira ngoni vasina simba navanoshayiwa,
uye achaponesa vanoshayiwa kubva parufu.
14Achavanunura pakudzvinyirirwa nokuitirwa zvinhu nechisimba,
nokuti ropa ravo rinokosha pamberi pake.

15Iye ngaararame upenyu hurefu!
Goridhe rinobva kuShebha ngaripiwe kwaari.
Vanhu ngavarambe vachimunyengeterera
uye vamuropafadze zuva rose.
16Zviyo ngazviwande munyika yose;
ngazvizengaire pamusoro pezvikomo.
Zvibereko zvazvo ngazvikure zvakanaka seRebhanoni;
ngazvibukire sebundo romusango.

17Zita rake ngarigare nokusingaperi;
ngarirambe riripo sokuvapo kwezuva.

Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza naye,
uye vachamuti, ano mufaro.


18Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri,
iye oga anoita mabasa anoshamisa.
19Zita rake rinobwinya ngarirumbidzwe nokusingaperi;
nyika yose ngaizadzwe nokubwinya kwake.
Ameni naAmeni.


20Ndipo panoperera minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese.
Copyright information for SnaBDSC